Micah 2:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinofuŋgira rudzi urwu ɀakaipa, hamuŋgagoni kubvisa mitsipa yenyu paɀiri, hamuŋgafambi namanyawi, nokuti iŋguʋa yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva yedambudziko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi anoti, “Chinzwai ini ndava kurongera mhuri iyoyi zvinhu zvakaipa zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa. Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai nokuti inenge yava nguva yakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.’