Micah 3:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndakati: Cinzwai henyu, imi ʋakuru ʋaJakobo, naʋaɓati ʋeimba yaIsraeri: Ko hamuzaifanira kuziʋa kururamisira ʋanhu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakati: “Teererai munzwe, imi vatungamiriri vokwaJakobho nemi vatongi vemba yokwaIsiraeri. Harisi basa renyu here kuziva ruenzaniso?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndakati, “Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
Shona 2009?
Ini ndakati, "Chinzwai henyu, imwi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here?
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndakati, “Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamusaifanira kuziva kururamisira vanhu here?