Micah 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakuru ʋaro ʋanotamba mhaka kuti ʋapiwe ɀipo, ʋaprista ʋaro ʋanodzidzisa kuti ʋapiwe muɓairo, ʋaprofita ʋaro ʋanoʋuka kuti ʋapiwe mari; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanosendamira kunaJehova, ʋaciti: Ko Jehova haazi pakati peɗu here? Hatiŋgawirwi neɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatungamiriri vayo vanoda pfumbamuromo pakutonga. Vapristi vacho, vanotoda muripo, kuti vadzidzise. Vaporofita vacho, vanoda mari kuti vashopere, uku vachivimba naTenzi vachiti, “Handiti Tenzi ari pakati pedu here? Hakuna chakaipa chichatiwira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’
Shona 2009?
Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, `Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.'
Shona SUB 2002 Bible
Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubairo, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyangwe zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’