Micah 3:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋacaɗana kunaJehova, asi haaŋgaʋapinduri; ɀirokwaɀo ucaʋaʋanzira ciso cake neŋguʋa iyo, nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋakaita pamaɓasa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavadaviri. Panguva iyoyo achavanza chiso chake kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopayeka pavanozochema kuna Tenzi asi haavapinduri. Ndipo paanotobva atovanza uso hwake nokudawo kokuti vakaita zviito zvakaipa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
Shona 2009?
Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo.
Recommended Reading