Micah 4:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi uri pakusurumuka; nokuti ɀino ucaɓuɗa muguta, ucandogara kusaŋgo, ucandoȿika Babironi; ipapo ucandorwirwa, Jehova ucakudzikinura’po pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tambura ugomere, iwe Mwanasikana weZioni, somukadzi ari pakusununguka, nokuti zvino unofanira kubuda muguta undogara kusango. Uchaenda kuBhabhironi; ikoko uchandonunurwa. Ikoko Jehovha achakudzikinura kubva paruoko rwavavengi vako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shanyarika udunure, iwe guta reZioni somukadzi arwadziwa napamuviri nokuti iye zvino uchabva muguta irori undogara musango zvamo. Uchaenda iwe kuBhabhironi, ikoko uchaponeswa. Tenzi achakununura ikoko mumaoko mavavengi vako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi ari pakasurumuka; nokuti zvino uchabuda muguta, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako.
Shona 2009?
Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikunurapo pamaoko avavengi vako.
Shona SUB 2002 Bible
Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi ari pakasurumuka; nokuti zvino uchabuda muguta, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako.