Micah 4:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaikamhina ndicaʋaita ʋakasara, ʋuye ʋakaŋga ʋakarashirwa kure ndicaʋaita rudzi rwakasimba; Jehova ucaʋaɓata ʋushe pagomo reZioni kubva ɀino nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndicharemadza vakasara, vaya vakadzingwa ivo rudzi rwakasimba. Jehovha achavatonga paGomo reZioni kubva pazuva iroro nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvirema izvozvo ndizvo zvandichaita chitsama chacho chavanhu vanosara. Ivava pamwechete navakambodzingirwa kure vaya ndichavaita rudzi rwakasimba. Tenzi achavatonga ari paGomo reZioni kubvira ipapo kusvikira nokusingaperi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZioni kubva zvino nokusingaperi.
Shona 2009?
vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZiyoni kubva zvino nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZioni kubva zvino nokusingaperi.