Micah 5:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iwe Beti‐rehema Efrata, muɗuku kwaɀo pakati peɀuru ɀamazana ɀaJuda, kwauri kucandiɓuɗira mumŋe ucaʋa muɓati pakati paIsraeri; maɓuɗiro ake ndaakare, pamazuʋa akare‐kare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe Bheterehemu wokwaEfurata, kunyange uri muduku zvako, mukati memadzinza okwaJudha, mauri iwe muchabuda mutongi wangu, achatonga Isiraeri, dzinde rokwaakabva nderakare kare rapasichigare chaipo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare.
Shona 2009?
"Asi iwe Bheterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akare-kare.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi iwe Bhetirehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezviuru zvamazana zvaJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akare–kare.