Micah 6:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋafumi ʋeguta ʋazere nokuita nehasha, ʋagere’mo ʋakareʋa nhema, rurimi rwaʋo mumuromo waʋo runonyeŋgera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapfumi veguta rino vane utsinye vagari vemo varevi venhema zvinobva pamuromo pavo ndezvounyengedzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vapfumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
Shona 2009?
Nokuti vafumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vapfumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.