Micah 6:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀakatemŋa naOmri ɀinoceŋgetwa, namaɓasa ose eimba yaAhabi, imi munofamba nokuraŋgarira kwaʋo, kuti ndikuitei ɗoŋgo imi, naʋagere’mo cinhu cinoridzirwa muridzo; imi mucaʋa nemhoȿa yokushoʋorwa kwaʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makachengeta zvirevo zvaOmari uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makachengeta imi mirao yamambo Omuri namaitiro ose evemba yamambo Ahabhu uye makatevedza imi tsika dzavo. Ndokusaka ini ndave kuita guta rino dongo uye vagari varo ndichivaita chiseko, saka nhamo yavanhu vangu yokusekwa ndiro richaberekana nayo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.
Shona 2009?
Nokuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imwi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imwi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.