Micah 6:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, ʋanhu ʋaŋgu, raŋgarirai ɀino ɀakaraŋganwa naBaraki mambo waMoabi, ʋuye ɀaakapindurwa naBarami mŋanakomana waBeori; raŋgarirai ɀakaitwa kubva paShitimi kuȿikira Girgari, kuti muziʋe ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vangu, rangarirai zviya zvakanga zvarongwa naBharuki mambo weMoabhu nemhinduro iya yaakapiwa naBhiriamu mwanakomana waBheori. Rangarirai zviya zvakaitika kubvira kuShitimu kusvikira kuGirigari kuitira kuti muzive mabasa akarurama aTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakaranganwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
Shona 2009?
Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakarangamwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakaranganwa naBharaki mambo waMoabhu, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.