Micah 7:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko Mŋari wakafanana nemi, unokaŋganwira ɀakaipa, unopfuʋura kuɗarika kwaʋakasara ʋenhaka yake? Haaŋgagari akatsamŋa nokusiŋgaperi, nokuti unofarira kuʋa nenyasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani Mwari akaita semi anoregerera uipi anokanganwira vanhu kukanganisa kuchitsama chavakasara chenhaka yake. Iye haarambi akashatirwa narini narini nokuti chaanofarira kuita mwoyochena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha.
Shona 2009?
"Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokangamwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha.