Micah 7:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maʋoko aʋo anoŋgotȿaka ɀakaipa kuti ʋaɀiite nomŋoyo wose; macinda anokumbira, ʋatoŋgi ʋanoʋiŋga muɓairo; mukuru unotaura ɀakashata ɀiri mumŋoyo make; ʋanoɀiruka pamŋe cere saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uipi ndohwavana maoko nahwo, ishasha chaidzo pakuhuita, gurukota nomutongi vose vanoda pfumbamuromo, mukuru mukuru chaiye anototaura zvake zvakaipa zviri mumwoyo make vobva vatoiruka nyaya yacho pamwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti vazviite nomwoyo wose; machinda anokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo.
Shona 2009?
Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti Machinda nokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti vazviite nomwoyo wose; machinda anokumbira, vatongi vanovinga mubairo; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwechete saizvozvo.