Micah 7:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatakura kutsamŋa kwaJehova, nokuti ndakamutadzira, kuȿikira acindireʋerera mhoȿa yaŋgu, nokundiruramisira mhaka yaŋgu; ucandiɓuɗisira kuciedza, ndicaʋona kururama kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu nokusimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichatirira zvangu kushatirirwa kwandakaitwa naTenzi nokuti ndakamutadzira kusvikira iye Mwari ava kutondirevererawo andienzanisirawo mhosva yangu. Achandisvitsa kuchiedza ndichitozvionerawo kununura kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
Shona 2009?
Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.