Nahum 1:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakaraira pamsoro penyu, kuti ʋezita renyu ʋarege kuzodɀarwa ɀe; mumba maʋamŋari ʋenyu ndicaparadza ɀifananidzo ɀakaʋezwa neɀifananidzo ɀakaʋumbga; ndicakucererai bgiro; nokuti makashata kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha arayira shoko pamusoro pako, iwe Ninevhe, rokuti, “Hauchazovi nezvizvarwa zvinopiwa zita rako. Ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa, zviri mutemberi yavamwari vako. Ndichachera guva rako, nokuti iwe wakaipa kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi atema chirevo nezvako chokuti “Zita rako harichafanira kuramba richiyeukwa. Zvifananidzo zvako zvokunamata zvemabwe akavezwa nezvoutare hwakanyungurutswa ndichazviparadza mumba yavamwari vako. Ndichakuitira guva nokuti hauna maturo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo.
Shona 2009?
"Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodzvarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
“Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo.