Nahum 1:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai pamakomo tsoka dzounoʋuya namashoko akanaka, unoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Juda, itai ɀamakapika, nokuti wakaipa haaŋgazopfuʋuri ɀe napakati penyu; wakaparadzwa cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarira, pamakomo apo, tsoka dzouyo anouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Pemberera mitambo yako, iwe Judha, uye uzadzise mhiko dzako. Vakaipa havachakurwisazve; vachaparadzwa zvachose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inzwai munzwe tsoka dzenhumwa inouya namashoko akanaka ichiparidza nezvorugare! Imi vokwaJudha, chengetai mazuva enyu makuru itai zvamakatsidza nokuti hazvizoitika zvakare nokuti muipi haachauyezve kuzokurwisa, anyatsoparadzwa chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.
Shona 2009?
"Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imwi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose.