Nahum 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndinemhaka nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicapisa ŋgoro dzaro dziite ʋutsi, munondo ucapedza shumba dzenyu ɗuku; ndicabvisa ɀawakapamba panyika, inzwi renhume dzako hariŋgatoŋgonzwiki ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichapisa ngoro dzenyu dzive utsi, uye munondo uchaparadza shumba dzenyu duku. Ndichakusiyai musina nyama panyika. Mazwi enhume dzako haangazonzwikizve.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, izwi renhume dzako haringatongonzwikizve.
Shona 2009?
"Tarirai, ndine mhaka nemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, inzwi renhume dzako haringatongonzwikwizve.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarirai, ndine mhaka nemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, izwi renhume dzako haringatongonzwikizve.