Nahum 3:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda enyu akaita semhashu, ʋakuru ʋenyu semhashu zhinji‐zhinji, dzinoʋata pazhowa kana kunecando, asi kana zuʋa raɓuɗa dzinobururuka dzicienda, hadzicazikanwi kwadzaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Machinda ako akaita semhashu, nyanzvi dzako dzezvomutemo dzava kuita semhashu dzomhara zvadzo paruzhowa nezuva rakunenge kuchitonhora. Panobuda zuva idzo dzinobhururuka dzoenda kusina anoziva kwadzinenge dzaenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri.
Shona 2009?
Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji-zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikamwi kwadziri.
Shona SUB 2002 Bible
Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri.