Nahum 3:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurira kwetyaʋa, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo eŋgoro, nowokutsika kwamabiza, neŋgoro dzinojata,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heko kurira kwetyava! Nokuvhiririka kwemavhiri nokukakatika kwamabhiza, nokunjanjarika kwengoro dzehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata,
Shona 2009?
Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinojata,
Shona SUB 2002 Bible
Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinonjarika,