Nehemiah 10:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋamŋe ʋanhu, iʋo ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋaNetinimi, naʋose ʋakaŋga ʋaɀiraʋura paʋanhu ʋenyika iyo kuceŋgeta murau waMŋari, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋakunda ʋaʋo, mumŋe nomumŋe wakaŋga aciziʋa nokunzwisisa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye vamwe vanhu vose, vaiti vaprista, vaRevhi, vachengeti vemikova, vaimbi, vashandi vomutemberi, navose vakazvitsaura kubva kuvanhu vakavakidzana navo, nokuda kwomurayiro waMwari, pamwe chete navakadzi vavo, navanakomana vavo vose navanasikana vavo vose vaigona kunzwisisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Navamwe vanhu vosewo vaiti vapristi nevaRevhi navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi navashandi vomuTemberi navose vakazvitsaura mukati mavanhu vose vari munharaunda iyoyo pamusana pomutemo waMwari, ivo namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana vose vaiva vabve zano vavakuziva,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vamwe vanhu, ivo vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navaNetinimi, navose vakanga vazviraura pavanhu venyika iyo kuchengeta murau waMwari, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navakunda vavo, mumwe nomumwe akanga achiziva nokunzwisisa,
Shona 2009?
Asi vamwe vanhu, ivo vaprista, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi navaNetinimi, navose vakanga vazviraura pavanhu venyika iyo kuchengeta murau waMwari, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navakunda vavo, mumwe nomumwe akanga achiziva nokunzwisisa,
Shona SUB 2002 Bible
Asi vamwe vanhu, ivo vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navaNetinimi, navose vakanga vazviraura pavanhu venyika iyo kuchengeta murau waMwari, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navakunda vavo, mumwe nomumwe akanga achiziva nokunzwisisa,