Nehemiah 10:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakanamatira hama dzaʋo, iʋo ʋakuru, ʋakaɀisuŋga nokutukwa nokupika kuti ʋacafamba nomurau waMŋari, waʋakapiwa naMosesi muranda waMŋari, nokuraŋgarira nokuita mirairo yose yaJehova Ishe weɗu, neɀaakatoŋga neɀaakatema;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ava vose vakabatana pamwe chete nehama dzavo ivo vakuru, uye vakazvisunga nechituko nemhiko kuti vatevere Murayiro waMwari wakapiwa kubudikidza naMozisi muranda waMwari uye kuti vachenjerere kuteerera zvose zvakarayirwa, nezvakatemwa uye nemitemo yaJehovha Ishe wedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vose ivava vakabatana nehama dzavo dzokumba huru mukuzvisunga nechitsidzo chokuti ukarega kuchichengeta unopinda murushambwa chitsidzirano chacho ndechokuti vaizotevera mutemo waMwari waakapa nomuromo waMosesi muranda waMwari uye vachiteerera mirao yose yaTenzi wedu Tenzi pamwechete nezvirevo zvake nezvirongwa zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakanamatira hama dzavo, ivo vakuru, vakazvisunga nokutukwa nokupika kuti vachafamba nomurau waMwari, wavakapiwa naMosesi muranda waMwari, nokurangarira nokuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nezvaakatonga nezvaakatema;
Shona 2009?
vakanamatira hama dzavo, ivo vakuru, vakazvisunga nokutukwa nokupika kuti vachafamba nomurau waMwari, wavakapiwa naMozisi muranda waMwari, nokurangarira nokuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nezvaakatonga nezvaakatema;
Shona SUB 2002 Bible
vakanamatira hama dzavo, ivo vakuru, vakazvisunga nokutukwa nokupika kuti vachafamba nomurau waMwari, wavakapiwa naMosesi muranda waMwari, nokurangarira nokuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nezvaakatonga nezvaakatema;