Nehemiah 10:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye kuti kana ʋanhu ʋenyika ʋakaʋuya neɀinhu ɀaʋo, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, kuzoteŋgesa nezuʋa resaɓata, isu hatiŋgaʋateŋgeri nesaɓata, kana panerimŋe zuʋa dɀene; ʋuye kuti ticaregera nyika pagore recinomŋe nokusareʋa ɀikwerete ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana vanhu vatakavakidzana navo vakauya nezvokutengesa kana zviyo kuzotitengesera neSabata, hatizovatengeri nomusi weSabata kana pazuva ripi zvaro dzvene. Pagore rechinomwe roga roga ticharegedza kushanda muminda uye tichadzima zvikwereti zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vanhu vechirudzi venyika ino vakauya nezvinhu zvokuzotengesa kana mbesanwa zvadzo uri musi weSabata, hatisiri kuzovatengera pamusi weSabata kana pane rimwewo zuva rinoera. Pagore rechinomwe roga roga tinorega minda yedu irarire zvayo isina kurimwa, uye vane zvikwereti hatichavabhadharisi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye kuti kana vanhu venyika vakauya nezvinhu zvavo, kana zvokudya zvipi nezvipi, kuzotengesa nezuva reSabata, isu hatingavatengeri neSabata, kana panerimwe zuva dzvene; uye kuti ticharegera nyika pagore rechinomwe nokusareva zvikwerete zvose.
Shona 2009?
uye kuti kana vanhu venyika vakauya nezvinhu zvavo, kana zvokudya zvipi nezvipi, kuzotengesa nezuva reSabata, isu hatingavatengeri neSabata, kana panerimwe zuva dzvene; uye kuti ticharegera nyika pagore rechinomwe nokusareva zvikwerete zvose.
Shona SUB 2002 Bible
uye kuti kana vanhu venyika vakauya nezvinhu zvavo, kana zvokudya zvipi nezvipi, kuzotengesa nezuva reSabata, isu hatingavatengeri neSabata, kana pane rimwe zuva dzvene; uye kuti ticharegera nyika pagore rechinomwe nokusareva zvikwerete zvose.