Nehemiah 10:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye kuti ticaʋuya neɀitȿa ɀoʋupfu, neɀeɀipiriso ɀinotsaurwa, neɀiɓereko ɀemiti yamarudzi ose, ɀewaini neɀamafuta, kuʋaprista, kumakamuri eimba yaMŋari weɗu, neɀegumi ɀeminda yeɗu kuʋaRevi, nokuti ʋaRevi ndiʋo ʋanopiwa ɀegumi ɀeɀinorimŋa nesu pamaguta ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pamusoro pezvo, tichauyisa kumatura eimba yaMwari wedu, nokuvaprista, zvibereko zvokutanga zvevhu, zvipiriso zvedu zvezviyo, nezvemiti yose yemichero nezvewaini yedu itsva uye namafuta. Uye tichauyisa chegumi chezviyo zvedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanounganidza zvegumi mumaguta ose atinoshanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uyewo kuendesa mikanyiwa yedu yokutanga nezvimwe zvatinobvisa nomuchero womuti wose womuchero newaini namafuta eorivhi kuvapristi kudzimba dzepamba paMwari wedu, tichiendesawo kuvaRevhi zvegumi zvezvirimwa zvedu, nokuti vaRevhi ndivo vane basa rokuunganidza zvegumi zvomumaguta ose omumaruwa medu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye kuti tichauya nezvitsva zvoupfu, nezvezvipiriso zvinotsaurwa, nezvibereko zvemiti yamarudzi ose, zvewaini nezvamafuta, kuvapristi, kumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zveminda yedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanopiwa zvegumi zvezvinorimwa nesu pamaguta ose.
Shona 2009?
uye kuti tichauya nezvitsva zvoupfu, nezvezvipiriso zvinotsaurwa, nezvibereko zvemiti yamarudzi ose, zvewaini nezvamafuta, kuvaprista, kumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zveminda yedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanopiwa zvegumi zvezvinorimwa nesu pamaguta ose.
Shona SUB 2002 Bible
uye kuti tichauya nezvitsva zvoupfu, nezvezvipiriso zvinotsaurwa, nezvibereko zvemiti yamarudzi ose, zvewaini nezvamafuta, kuvapristi, kumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zveminda yedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanopiwa zvegumi zvezvinorimwa nesu pamaguta ose.