Nehemiah 11:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino macinda aʋanhu akagara Jerusarema; ʋamŋe ʋanhu ʋakakanda mijenya ʋo kuti mumŋe pagumi rimŋe nerimŋe agare Jerusarema, iro guta dɀene, asi ʋamŋe ʋapfumbamŋe panamamŋe maguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu, iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta.
Shona 2009?
Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu,iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe panamamwe maguta.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino machinda avanhu akagara Jerusaremu; vamwe vanhu vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusaremu, iro guta dzvene, asi vamwe vapfumbamwe pana mamwe maguta.