Nehemiah 11:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutariri ʋo waʋaRevi paJerusarema wakaŋga ari Uzi mŋanakomana waBani, mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waMatania, mŋanakomana waMika, ʋaʋanakomana ʋaAsafi, iʋo ʋaimbi ʋaitarira ɓasa reimba yaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri wevaRevhi muJerusaremu akanga ari Uzi mwanakomana waBhani Bhani mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari mwana waMataniya, Mataniya akaberekwa naMika Mika wokuvanakomana vokwaAsafu vaimbi, aiona nezvebasa repamba yaMwari,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutaririwo wavaRevhi paJerusaremu akanga ari Uzi, mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika, vavanakomana vaAsafi, ivo vaimbi vaitarira basa reimba yaMwari.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible