Nehemiah 12:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakakwidza macinda aʋaJuda pamsoro poruȿiŋgo, ndikaraira mapoka makuru maʋiri ʋakaʋoŋga ʋacifamba ʋakaita muɗuŋgwe; rimŋe rakafamba kurutiʋi rworudyi pamsoro poruȿiŋgo, ʋacienda kusuʋo ramarara;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova waMarara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; rimwe rakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;
Shona 2009?
Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuo ramarara;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; rimwe rakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuwo ramarara;