Nehemiah 12:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀikuru nezuʋa iro, ʋakafara; nokuti Mŋari wakaŋga aʋafadza nomufaro mukuru; naʋakadzi ʋo naʋana ʋakafara; naiɀoɀo mufaro weJerusarema wakanzwika kure.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iro vakabayira zvibayiro zvikuru, vachifara nokuti Mwari akanga avapa mufaro mukuru. Vakadzi navana vakafarawo. Maungira omufaro waiva muJerusarema wakanzwika kure kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.
Shona 2009?
Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.
Shona SUB 2002 Bible
Vakabayira zvibairo zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.