Nehemiah 12:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pazuʋa iro ʋarume ʋakagadzwa kutarira makamuri efuma, neɀipiriso ɀinotsaurwa, neɀitȿa, neɀegumi, kuti ʋaʋuŋganidzire’mo migoʋe yaʋaprista neyaʋaRevi yakaŋga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti ʋaJuda ʋakafarira ʋaprista naʋaRevi ʋaishumira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo varume vakagadzwa kuva vatariri vamatura okuvigira zvaiunganidzwa, uye zvibereko zvokutanga nezvegumi. Vaifanira kuuya nezvaibva muminda yakapoteredza maguta kumatura okuvigira migove yakatarirwa vaprista navaRevhi nomurayiro, nokuti Judha yakafadzwa navaprista navaRevhi vaishumira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva iroro vamwe varume vakaiswa pabasa rokuona nezvedzimba dzokuchengetera zvinhu izvi zvinoti: mipiro nemichero yokutanga nezvegumi. Ndivo vaiva nebasa rokuunganidzamo migove yainzi nomutemo ive yavapristi nevaRevhi zvichibva muminda yomumaguta pamusana pokuti Judha yaifarira vapristi nevaRevhi vaishandamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri epfuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapristi neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapristi navaRevhi vaishumira.
Shona 2009?
Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavaprista neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vaprista navaRevhi vaishumira.
Shona SUB 2002 Bible
Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri epfuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapristi neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti vaJudha vakafarira vapristi navaRevhi vaishumira.