Nehemiah 13:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakaita nharo naʋatariri, ndikati: Imba yaMŋari yasiyirweiko? Ndikaʋakokera, ndikaʋadzosera ɀe panɀimbo yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakatsiura vabati ndikavabvunza ndikati, “Imba yaMwari yashayirwa hanya neiko?” Ipapo ndakavaunganidza pamwe chete akavadzosera kunzvimbo dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro ndakapopotera vakuru vakuru ndichivabvunza kuti, “Ko imba yaMwari yavakushairwa hanya kudai seiko?” Ndokubva ndaunganidza vaRevhi ndikavaisa panzvimbo dzavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, “Imba yaMwari yasiyirweiko?” Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.
Shona 2009?
Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, "Imba yaMwari yasiyirweiko?" Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, “Imba yaMwari yasiyirweiko?” Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.