Nehemiah 13:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pamazuʋa iwayo ndakaʋona paJuda ʋamŋe ʋakaŋga ʋacitsika mazambiriŋga paɀiȿiniro nesaɓata, naʋakaŋga ʋacitora ɀisote ʋaciɀitakudza mboŋgoro; ʋuye waini, namazambiriŋga, namaʋonde, nemitoro yamarudzi ose, ɀaʋakaŋga ʋaciʋuya naɀo paJerusarema nezuʋa resaɓata; ndikaʋanyeʋera pazuʋa raʋakateŋgesa ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo ndakaona varume muJudha vachitsika zvisviniro zvewaini nomusi weSabata vachiuya nezviyo vachizvikwidza pambongoro, pamwe chete newaini, mazambiringa, maonde namarudzi ose emitoro. Vaiuya nezvinhu zvose izvi muJerusarema nomusi weSabata. Naizvozvo ndakavayambira kuti vasatengesa zvokudya pazuva iroro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva iwayo ndakaona vamwe varume vokwaJudha vachisvina zvavo waini muchisviniro nomusi weSabata vachitounza zvavo mirwi yembesanwa vachidzitakudza pamadhongi avo, vaitakurawo waini namagirepisi namakuyu nemimwewo mitoro yakasiyana — siyana yavaiuya nayo muJerusaremu musi weSabata. Ndakavatsiura nezvezuva ravaitengesa zvokudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika madzambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namadzambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.
Shona 2009?
Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro neSabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva reSabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.