Nehemiah 13:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko madziɓaɓa enyu haana‐kuita saiɀoɀo, Mŋari weɗu akaʋuyisa ɀakaipa iɀi ɀose pamsoro peɗu napamsoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamŋa kwaMŋari pamsoro paIsraeri, ɀamunoɀidza saɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, madzitateguru enyu haana kuita zvimwe chetezvo here, zvokuti Mwari wedu akazouyisa dambudziko iri pamusoro pedu napamusoro peguta rino? Zvino muri kumutsa hasha dzakawanda pamusoro paIsraeri nokuzvidza Sabata.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handizvo here zvakaitwa namadzibaba enyu izvozvi? Mwari wedu haana kuunza here zvose zvakaipa izvi patiri nokuguta rino, asi imi ndopamava kutopinza Isiraeri mumhosva huru nokun'oresa Sabata.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata.”
Shona 2009?
Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imwi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata."
Shona SUB 2002 Bible
Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza Sabata.”