Nehemiah 13:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pamasuʋo eJerusarema pakati poȿiɓa, saɓata risati raȿika, ndakaraira kuti mikoʋa ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwa ɀe kuȿikira saɓata rapfuʋura; ndikaisa ʋamŋe ʋaranda ʋaŋgu pamasuʋo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuʋa resaɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mimvuri yezuva rovira yakati yafukidza masuo eJerusarema, Sabata risati rasvika, ndakarayira kuti mikova ipfigwe uye kuti isazarurwa kusvikira Sabata rapfuura. Ndakaisa vamwe vavaranda vangu pamasuo kuti kurege kuva nomutoro ungauyiswa mukati nomusi weSabata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakati kwava kuda kusvipa, pamisuo mikuru yeJerusaremu, Sabata ravakusvika ndakatiwo misuo inofanira kuzarirwa; ndikati haifaniri kuzarurwa kusvikira Sabata rapera. Ndakapa vamwe vashandi vangu basa rokuchengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti pasave nezvinhu zvinotakurwa zvichipindwa nazvo pamusi weSabata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pamasuo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura; ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata.
Shona 2009?
Zvino pamasuo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura, ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pamasuwo eJerusaremu pakati posviba, Sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira Sabata rapfuura; ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuwo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva reSabata.