Nehemiah 13:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko Soromoni mambo waIsraeri haana‐kutadza paɀinhu iɀi here? Kunyaŋge ɀakaɗaro pakati pendudzi zhinji pakaŋga pasinamambo wakafanana naye, naye wakaŋga akaɗikanwa naMŋari wake, Mŋari akamuita mambo waʋaIsraeri ʋose; kunyaŋge ɀakaɗaro naiye wakatadziswa naʋakadzi ʋatorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, Soromoni mambo weIsraeri haana kutadza here nokuda kwavakadzi vakadai? Pakati pendudzi zhinji hapana kumbova namambo akaita saye. Aidikanwa naMwari wake, uye Mwari akamuita mambo pamusoro pavaIsraeri vose, asi kunyange zvakadaro akapinzwa muchivi navakadzi vatorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni haana kutadza here pamusana pevakadzi vakadai? Kunyange pakati pamarudzi akawanda kwakanga kusina mambo akaita saiye uye aidiwa kwazvo naMwari wake. Mwari akamuita mambo weIsiraeri yose, asi vakadzi vechirudzi vakamuita kuti kunyange iyeyu atadze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikanwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.
Shona 2009?
Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikamwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyangwe zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikanwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo waVaIsiraeri vose; kunyangwe zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.