Nehemiah 13:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe waʋanakomana ʋaJoyada mŋanakomana waEriashibi muprista mukuru, wakaŋga ari mukwambo waSanbarati muHoroni; saka ndakamudziŋga abve kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru akanga ari mukuwasha waSanibharati muHoroni. Zvino ndakamudzinga kure neni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavana vaJoyadha mwanakomana waEriyashibhu mupristi mukuru akanga achitova zvake mukuwasha waSanibharati muHoroni. Naizvozvo ndakamudzinga pandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupristi mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
Shona 2009?
Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi muprista mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi Mupristi Mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.