Nehemiah 2:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nomŋedzi weNisani, negore ramakumi maʋiri ramambo Artashasta, paŋguʋa yaakaŋga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Ɀino ndakaŋga ndisina‐kumbopunyaira pamberi pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwedzi waNisani mugore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, panguva yaakavigirwa waini, ndakatora waini ndikapa kuna mambo. Handina kumbenge ndambosuruvara zvakadai pamberi pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwedzi waNisani mugore rechimakumi maviri rokutonga kwamambo Atakizesesi, akagadzikirwa waini ini ndakachera waini ndikaiperekera kuna mambo. Zvino ndakanga ndisati ndambosuruvara paari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
Shona 2009?
Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Atakizesesi, panguva yaakanga ane waini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.