Nehemiah 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaɓati haʋana‐kuziʋa kwandakaŋga ndaenda, kana ɀandakaŋga ndandoita; nokuti ndakaŋga ndisinakuʋudza ʋaJuda, kana ʋaprista, kana ʋakuru, kana ʋaɓati, kana ʋamŋe ʋaɓati ʋeɓasa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandakanga ndichiita, nokuti ndakanga ndisati ndambotaura chinhu kuvaJudha kana kuvaprista kana vakuru kana vabati, kana vamwevo zvavo vaizoita basa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makurukota haana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandaiita. Ndakanga ndisati ndataurira vaJudha kana vapristi nevekumbahuru, kunyange machinda kana vamwe vose vaizoita basa iro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
Shona 2009?
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vaprista, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.
Shona SUB 2002 Bible
Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa.