Nehemiah 2:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakati kwaʋari: Munoʋona nhamo yeɗu, kuti Jerusarema raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto; hendei tindoʋaka ɀe ruȿiŋgo rweJerusarema, tirege kugara ticishoʋorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakati kwavari, “Muri kuona dambudziko ratinaro here: Jerusarema rava dongo, uye masuo aro akapiswa nomoto. Uyai, ngativakeizve rusvingo rweJerusarema, kuti tisazonyadziswazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakati kwavari, “Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.”
Shona 2009?
Zvino ndakati kwavari, "Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakati kwavari, “Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuwo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.”