Nehemiah 2:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikaʋaʋudza ɀokunaka kworuʋoko rwaMŋari rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu; namashoko amambo aakandiʋudza. Iʋo ʋakati: Ŋgatisimuke, tiʋake. Naiɀoɀo ʋakasimbisa maʋoko aʋo kuɓate‐ɓasa rakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakavaudza pamusoro poruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu uye zvakanga zvataurwa namambo kwandiri. Ivo vakati, “Ngatitangei kuvaka.” Saka vakatanga basa rakanaka iri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, “Ngatisimuke, tivake.” Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
Shona 2009?
Ndikavaudza zvokunaka koruoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, "Ngatisimuke, tivake." Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, “Ngatisimuke, tivake.” Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.