Nehemiah 2:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kwandiri, (naʋahosi ʋo ʋakaŋga ʋagere naye): Rwendo rwako rucaita ŋguʋa yakaɗiniko? Ucadzoka rini? Ɀino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira ŋguʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo, navahosi vakagara parutivi rwake, akandibvunza akati, “Rwendo rwako runotora mazuva mangani, uye uchadzoka rinhi?” Naizvozvo zvakafadza mambo kuti anditume; saka ndakatara nguva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kwandiri, izvozvo vahosi vakanga vagere zvavo munyasi mavo, “Uchaveko kwenguva yakadii? Kudzoka uchadzoka rini?” Mambo akazviona zviri zvinhu zvakanaka akandituma, ndikatarirana naye nguva yacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), “Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rini?” Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
Shona 2009?
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), "Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rinhi?" Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kwandiri, (navahosiwo vakanga vagere naye), “Rwendo rwako ruchaita nguva yakadiniko? Uchadzoka rini?” Zvino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira nguva.