Nehemiah 2:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ndakati ʋo kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ŋwadi dzakanyorerwa ʋaɓati ʋari mhiri kworwizi, ʋanditendere kupfuʋura ndiȿike kwaJuda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatizve kwaari, “Kana mambo achifadzwa nazvo, ndingapiwawo tsamba here dzinoenda kuvabati vari mhiri kwaYufuratesi, kuitira kuti vagondipa mvumo yokupfuura kusvikira ndasvika muJudha?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakati kuna mambo, “Kana zvichikufadzai mambo dai mukati ndipiwe matsamba anonyorerwa magavhuna enyika yokuMhiri kweRwizi rwaYufuretesi kuti vandirege ndichipfuura nomavo kudzamara ndasvika kwaJduha
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye ndakatiwo kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe n’wadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri kworwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
Shona 2009?
Uye ndakatiwo kuna mambo, "Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe mwadhi dzakanyorerwa vabati vari mhiri korwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;
Shona SUB 2002 Bible
Uye ndakatiwo kuna mambo, “Kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe tsamba dzakanyorerwa vabati vari mhiri kwerwizi, vanditendere kupfuura ndisvike kwaJudha;