Nehemiah 2:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
neimŋe ŋwadi ʋo kunaAsafi mutariri weɗondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuʋo enhare yapaimba yaMŋari nookuisa paruȿiŋgo rweguta napaimba yandicapinda. Mambo akandipa iɀoɀo, nokuti ruʋoko rwakanaka rwaMŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndinokumbirawo tsamba inoenda kuna Asafu, muchengeti wesango ramambo, kuitira kuti azondipa matanda okuchinjika pamusoro pamasuo enhare iri patemberi uye neorusvingo rweguta neeimba yandichagara?” Mambo akandipa zvandakakumbira, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
netsambawo inonyorerwa Asafu, muchengeti wesango rokwamambo yokuti andipe matanda okugadzirisa mapango epamusuwo enhare yeTemberi uye erusvingo rweguta neemba yandichagara.” Mambo akandipa zvandakakumbira nokuti ruoko rutsvene rwaMwari wangu rwakanga rwuri pandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
neimwe n’wadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda.” Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
Shona 2009?
neimwe mwadhiwo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda." Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.
Shona SUB 2002 Bible
neimwe tsambawo kuna Asafi mutariri wedondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuwo enhare yapaimba yaMwari nookuisa parusvingo rweguta napaimba yandichapinda.” Mambo akandipa izvozvo, nokuti ruoko rwakanaka rwaMwari wangu rwakanga ruri pamusoro pangu.