Nehemiah 2:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndikaȿika kuʋaɓati mhiri kworwizi, ndikaʋapa ŋwadi dzamambo. Ɀino mambo wakaŋga atuma ʋakuru ʋehondo naʋataȿi ʋamabiza neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakaenda kuvabati vaiva mhiri kwaYufuratesi akavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atumawo pamwe chete neni vakuru vehondo navatasvi vamabhiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaenda kumagavhuna okunyika yekuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi ndikavapa matsamba amambo. Izvozvo mambo akandituma navakuru vakuru vekuhondo navachairi vamabhiza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kworwizi, ndikavapa n’wadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
Shona 2009?
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri korwizi, ndikavapa mwadhi dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndikasvika kuvabati mhiri kwerwizi, ndikavapa tsamba dzamambo. Zvino mambo akanga atuma vakuru vehondo navatasvi vamabhiza neni.