Nehemiah 3:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Eriashibi muprista mukuru wakasimuka, nehama dzake ʋaprista, ʋakaʋaka suʋo ramakwai; ʋakarinatsa, nokutimika magonhi aro; ʋakarinatsa kuȿikira pashoŋgwe yeHamea nokushoŋgwe yeHananeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye akavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza akaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Eriashibhi mupristi mukuru akasimuka, nehama dzake vapristi, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.
Shona 2009?
Ipapo Eriashibhi muprista mukuru akasimuka, nehama dzake vaprista, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Eriashibhi Mupristi Mukuru akasimuka, nehama dzake vapristi, vakavaka suwo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.