Nehemiah 3:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakamuteʋera pakugadzira wakaŋga ari Nehemia mŋanakomana waAzbuki, muɓati wehafu yenyika yeBeti‐zuri, kuȿikira pakatarisana namarinda aDavidi, ʋuye kuȿikira padziʋa rakaŋga raʋakwa, nokuimba yemhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamutevera ndiNehemia mwanakomana waAzubhuki mutongi wehafu yedunhu raBheti Zuri, akagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana nemakuva aDhavhidhi kusvikira padziva nokuImba yeMhare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagamhwawo kuvaka naNehemiya mwanakomana waAzibhuku mutongi wechimwe chikamu chedunhu reBhetitsuru akagadzirawo kusvika pakatarisana namakuva okwaDhavhidhi kudzamara kundosvika kuDziva riya rakaitwa navanhu kusvikawo kumba yemagamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible