Nehemiah 3:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Parari mŋanakomana waUzai wakagadzira pakatarisana nekona yoruȿiŋgo, neshoŋgwe inoɓuɗa paimba yokumsoro yamambo, iri paruʋazhe rwaʋarindi. Pedaya mŋanakomana waParoshi wakamuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pararu mwanakomana waUzai akagadzirawo pakatarisana napaKona pacho nepanharirire iya inooneka pamusoro pemba yamambo yapamusoro iya munhandare yavachengetedzi. Aiteverwa naPedhaya mwanakomana waParoshi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.
Shona 2009?
Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.
Shona SUB 2002 Bible
Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.