Nehemiah 3:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hanania mŋanakomana waSheremia, naHanuni mŋanakomana wecitanhatu waZarafi ndiʋo ʋakamuteʋera pakugadzira mumŋe mupanda. Meshurami mŋanakomana waBerekia, wakamuteʋera pakugadzira pakatarisana nekamuri yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshuramu mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akagamhwawo naHaniya mwanakomana waSheremiya naHanu mwanakomana wechitanhatu waZarafu kugadziridza chimwewo chikamu. Aiteverwa naMeshuramu mwanakomana waBherekiya akagadziridzawo pakatarisana nepaaigara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndivo vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.
Shona 2009?
Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni mwanakomana wechitanhatu waZarafi ndiye vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.
Shona SUB 2002 Bible
Hanania mwanakomana wechitatu waZarafi ndivo vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.