Nehemiah 3:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naʋaTekoi; asi ʋakuru pakati paʋo haʋana‐kuisa mitsipa yaʋo paɓasa rashe waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chikamu chaitevera chakagadzirwa navarume veTekoa, asi vakuru vavo vakangopeta maoko avo vakasashandira Ishe wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokuTekoa ndovakavakawo chidimu chaitevera uyu asi vakuru vakuru veko havana kutakura basa ravakapiwa namadzishe avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.
Shona 2009?
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.