Nehemiah 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurutiʋi rwake kwakagadzirwa naUzieri mŋanakomana waHarhaya, ʋapfuri ʋendarama. Kurutiʋi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumŋe waʋaveŋganisi ʋeɀinonhuwira; iʋo ʋakasimbisa Jerusarema kuȿikira paruȿiŋgo rwakafara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uzieri mwanakomana waHaraya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira chikamu chaitevera; uye Hanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira, akagadzira chikamu chaitevera ichocho. Vakavandudza Jerusarema kudzimarara vasvika parusvingo rwakapamhamha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uzieri mwanakomana waHarihaya mhizha yendarama ndiye akagadzirawo mberi kwake. Akagamhwawo kuvaka mberi kwake naHananiya mumwe wavagadziri vemafuta anonhuwirira. Vakagadziridza Jerusaremu kusvikira kuRusvingo rwaKapamhama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.
Shona 2009?
Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuhwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.
Shona SUB 2002 Bible
Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.