Nehemiah 4:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuʋakuru nokuʋatariri nokunaʋamŋe ʋanhu: Regai kuʋatya; raŋgarirai Jehova mukuru unotyisa, murwire hama dzenyu, naʋanakomana ʋenyu, naʋakunda ʋenyu, naʋakadzi ʋenyu, nedzimba dzenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, “Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakati nde-e kutarisa ndikasimuka ndokutaurira vokumba huru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Regai zvenyu kumbovatya. Rangarirai kuti Tenzi, iyeyu mukuru, anotyisa murwire hama dzenyu navana venyu vakomana navasikana navakadzi venyu nemisha yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, “Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.”
Shona 2009?
Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, "Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuvakuru nokuvatariri nokuna vamwe vanhu, “Regai kuvatya; rangarirai Jehovha mukuru anotyisa, murwire hama dzenyu, navanakomana venyu, navakunda venyu, navakadzi venyu, nedzimba dzenyu.”