Nehemiah 4:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋanzwa kuti ɀazikanwa nesu, ʋuye kuti Mŋari wakakonesa kuraŋgana kwaʋo, isu tikadzokera tose kuruȿiŋgo, mumŋe nomumŋe kuɓasa rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vavengi vedu pavakanzwa kuti takanga taziva rangano yavo uye kuti Mwari akanga aikonesa, tose takadzokera kurusvingo, mumwe nomumwe pabasa rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vavengi vedu pavakanzwa kuti bangano racho takange tariziva uye kuti Mwari akanga arikangaidza, takadzokera tose kurusvingo munhu wose pabasa rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.
Shona 2009?
Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikamwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake.