Nehemiah 4:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kubva paŋguʋa iyo hafu yaʋaranda ʋaŋgu ʋakaɓata paɓasa, asi hafu yaʋo ʋakaɓata mapfumo, nenhoʋo, noʋuta, neŋguʋo dzamatare; ʋuye ʋarairi ʋakaŋga ʋari shure kwaʋose ʋeimba yaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva pazuva iro, zvichienda mberi hafu yavanhu vangu vakashanda basa, asi imwe hafu vakanga vakapakata mapfumo, nhoo, uta uye nenhumbi dzokurwa nadzo. Vabati vakamira mumashure mavanhu vose vokwaJudha,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira musi iwoyo chimwe chikamu chavashandi vokwangu vechirume ndovakange vava vokuita basa rokuvaka chimwewo chikamu chavo vava vokunge vakabipitira mapfumo nenhoo nouta namademautare zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Vatungamiriri vakatsigira vose vemba yokwaJudha vainge vachivaka parusvingo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhoo, nouta, nenguo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha.
Shona 2009?
Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhovo, nouta, nenguvo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhoo, nouta, nenguo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha.